Thursday, November 29, 2012

ZVAUNGAITE KUTI UKURE PAMWEYA

• Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Christu. Ngaave nokubwinya zvino uye nokusingaperi Amen. 2 Petro 3: 18. • Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu, sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka. 1 Petro 2: 2 – 3. • Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. 2 Timoti 2: 15. • Shingairai pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. 1 Petro 4: 15. • Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi kuti tive vakuru, risingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari. Vahebheru 6:1. • Nokuda kwaizvozvo, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva; napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari; napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitirai kuti musava nousimbe uye musingashaiwi zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu. 2 Petro 1: 5 – 8. • Nokuda kwaizvozvo, ndinopfugama namabvi pamberi paBaba, avo kubva kwavari mhuri yavo yose iri mudenga uye napanyika inowana zita rayo. Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. Vaefeso 3: 14 – 19. • Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai uye tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya uye nokunzwisisa. Uye tinonyengetera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze uye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo. Vakorose 1: 9 – 11. • Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Vakorose 3: 16. • Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya. 2 Vakorinde 3: 18. • Wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu. Mapisarema 92: 13. • Ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu. Vafiripi 1: 6, 9 – 10. • Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipepereswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengetera nousvinu hwavanhu mukutsauka kwokunyengetera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo. Vaefeso 4: 14 – 16.

No comments: