Wednesday, November 28, 2012
ZVAUNGAITE KUTI UFADZE MWARI
• Vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita. Vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. Isaya 43: 7, 21
• Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi. Jahani 4: 23 – 24.
• Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza nokuvonga Jehovha. Zvichabatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore, uye vaprista vakatadza kuita basa ravo nokuda kwegore iroro, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaMwari. 2 Vakoronike 5: 13 – 14.
• Nemiwo, semabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vamwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa. 1 Petro 2: 5, 9.
• Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake. Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai. Vahebheru 13: 15 – 16.
• Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira mbiri nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu. Zvakazarurwa 4: 11.
• Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo. Vahebheru 11: 6.
• Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai uye tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari. Vakorose 1: 9 – 10.
• Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe muviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. Varoma 12: 1 – 2.
• Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, vavongerwe. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo. 1 Timoto 2:1, 3, 8.
• Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha. Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri. Mapisarema 145: 21.
• Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza. Mapisarema 109: 30.
• Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. Mapisarema 47: 1.
• Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi. Mapisarema 147: 11.
• Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene. Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari panhoo dzavo. Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo. Mapisarema 149: 1 – 6a.
• Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu. Varoma 8: 8 – 9.
• Uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinmufadza. 1 Jahani 3: 21.
• Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nekushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nokwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari. 1 Petro 3: 3 – 4.
• Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana munhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo. 1 Smueri 16:7.
• Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu. Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo. 2 Vakorinde 5: 11 – 12.
• Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose. 1 Johani 1:9.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment