Friday, November 2, 2012

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI NEZVEKUPINDURWA KWEMINAMATO

• Vasati vadana ndichavapindura; vachiri kutaura ndichavanzwa. Isaya 65: 24. • Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai muugozarurirwa. Nokuti munhu anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musuwo. Mateo 7: 7 – 8. • Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukuntengetera. Mateo 21:22 • “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo. Mateo 18: 19 – 20. • Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako. Mako 11: 24 – 25. • Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita. Johani 14: 13 – 14. • Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. Johani 15: 7. • Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musuwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Mateo 6: 6. • Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Johani 16: 23. • Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushaiwa. Vahebheru 4: 16. • Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi. Mapisarema 37: 4 – 5. • Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza. Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu. Mapisarema 91: 15 – 16. • Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi. Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa. Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose. Mapisarema 145: 18 – 20. • Jehovha ari kure nowakaipa, asi anonzwa munyengetero woakarurama. Zvirevo 15: 29. • “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba nokuisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’ Jeremia 33: 2 – 3. • Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira. Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, uye iye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa. 1 Johani 3: 23 – 24.

No comments: