Thursday, November 8, 2012

BHAIBHERI RINOTI CHII PAMUSORO PECHECHI

• Auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu. Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke, iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose. Vaefeso 1: 10, 22 – 23. • Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima uye akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru. Vakorose 1: 14, 18. • Akabvunza akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuwo eHadhesi haangaikundi. Mateo 16: 15 – 18. • Makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake ari dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya. Vaefeso 2: 20 – 22. • Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke uye muna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni. Vaefeso 3: 20 – 21. • Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu uye mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateerei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu. Vahebheru 13: 7 – 8, 17. • Vakazvipira pakudzidzisana kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengera. Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori. Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakazvipa kuna ani naani aishayiwa. Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa. Mabasa 2: 42 – 47. • Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, nokuti tiri nhengo dzomuviri wake. Vaefeso 5: 29 – 30. • Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu uye nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu. Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba. Vakorose 2: 8 – 10. • Nokuti sezvatino muviri mumwe une mutezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete, saizvozvo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe chete mumwe nomumwe mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa ngaadzidzise; kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro. Varoma 8: 4 – 8. • Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu. Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe. Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhnji. Kana rutsoka rukati, “Nokuti handizi ruoko, saka handizi muviri nokuda kwechikonzero ichocho. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri.” Haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko,” Handinei newe!” Uye musoro haungati kuritsoka,” Handinei newe!” Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo. Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navamwe zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, navaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana. 1 Vakorinde 12: 12 – 28. • Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. 1 Vatasaronika 5: 12 – 13. • Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafundzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe kudzamara isu tose tasvika pahumwe hwokutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu. Vaefeso 4: 11 – 13. • Zvakana uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana. Mapisarema 133: 1.

No comments: