Wednesday, November 7, 2012
CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI NEZVE KUROORANA
• Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume. Genesisi 2: 22.
• Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha. Zvirevo 18: 22.
• Wananai mugova nevanakomana navanasikana; tsvakirai vakomana venyu vakadzi uye muwanise vasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda. Jeremia 29: 6.
• Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; Ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha. Hosea 2: 19 – 20.
• Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi numwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hausi wake oga asi kuti ndowomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndowomukadzi wakewo. Musanyimana, kunze kokunge matanderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu. 1 Vakorinde 7: 2 – 5.
• Naizvozvo ndinoti kuchirikadzi duku ngadziwanikwe, kuti dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo uye kuti dzisapa muvengi mukana wokupomera nawo. 1 Timoti 5: 14.
• Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuiitira kuti, kana mumwe wavo asingatendi shoko, angadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. 1 Petro 3: 1 – 2.
• Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika. Genesisi 1: 27 – 28.
• Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva. Vahebheru 13: 4.
• Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chinopomerwa. Nenzira imweyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, nokuti tiri nhengo dzomuviri wake. “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete”. Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake. Vaefeso 5: 21 – 23; 25 – 33.
• Naizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipi chinokosha choupeenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu. 1 Petro 3: 7.
• Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana Seiko nerima? Ko, Kristu angawadzana Seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nemugove weiko neasingatendi? Ko, temberi yaMwari ingetenderana Seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.” 2 Vakorinde 6: 14 – 16.
• Kana muchindida, muchateerara zvandinokurayirai. Johani 14: 15.
• Jesu akapindura akti, “Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ Mteo 22: 37 – 39.
• Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive nerudo namabasa akanaka. Vahebheru 10: 24.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment