Friday, November 2, 2012

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI NEZVE MHURI YAKO

• Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha. Joshua 24: 15. • Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maerenano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo Munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu. Vaefeso 4: 29 – 32. • Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Zvirevo 22: 6. • Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Mabasa 16: 31. • “Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. Ekisodho 20: 12. • Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta Seiko kereke yaMwari?). 1 Timoti 3: 1, 4 – 5. • Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari. Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya. Akaropofadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo. Mapisarema 127: 3 – 5. • Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, uye mwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.” Maraki 4: 6. • Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo. Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka. Zvirevo 17: 6, 17, 25. • Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Uzvisimbise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka. Isungirire pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungirira pahuma dzenyu. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu. Dhuteronomi 6: 6 – 9. • Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa Rugare; achauyisa mufaro kumweya wako. Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro. Zvirevo 29: 17 – 18. • Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama. Zvirevo 13: 22. • Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nkubudirira zvichava zvako. Mapisarema 128: 1 – 2. • Baba vomunhu vakarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo! Zvirevo 23: 24 – 25. • Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji. Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama. Zvirevo 4: 10 – 11. • Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai, Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti murege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo Munyoro kuno mumwe nomumwe wennyu uye nokuna vose. 1 Vatesaronika 5: 12 – 15. • Maari uye kubudikidza nokutenda kwaari tigone kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudzoko angu nokuda kwenyu, ndiko kukudzwa kwenyu. Vaefeso 3: 12 – 13. • Asi chibereko chomweya ndirwo rudo, mufaro, Rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverwa pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Vagaratia 5: 22 – 24. • Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. Vakorose 3: 15 – 17. • Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu. Jahani 13: 34 – 35. • Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. Vaefeso 4:2 – 3. • Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu. Vaefeso 5: 21. • Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika. Vafiripi 2: 14 – 15. • Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru, kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo. Zvirevo 5: 1 – 2. • Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,” kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.” Vaefeso 6: 1 – 3. • Iva norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Varoma 12: 10 – 13. • Zita rakanaka rinodiwa kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Zvirevo 22: 1.

No comments: