Tuesday, May 29, 2012

GENESIS

GENESIS Sezvinoreva zita raro, bhuku iri riri pamusoro pamavambo, kana kuti matangiro epasi pose, enyika dzakasiyanasiyana, echivi, uye avanhu vechiJudha. Muzvitsauko 12-50 tinobva pakuutaura pamusoro pavanhu vose vose tichienda mberi patinodzidza kuti Mwari akabva sei mukusagadzikana kwevanhu akasarudza munhu mumwe chete, Abhurahamu. Mwari akamuudza kuti anogara munyika yeIsraeri uye nezvizvarwa zvake, Isaka naJakobho vanozivikanwa samadzitateguru eIsraeri. Vanakomana gumi navaviri vaJakobho ndivo vakava mavambo amarudzi gumi namaviri eIsraeri. Kubudikidza naJosefa, mumwe wavakomana vake, mhuri yose yandogara kuIjipita.

No comments: