Showing posts with label MABHUKU EBHAIBHERI. Show all posts
Showing posts with label MABHUKU EBHAIBHERI. Show all posts
Tuesday, March 25, 2014
ZVAKAZARURWA
ZVAKAZARURWA
Tsamba iyi yakanyorerwa kereke nomwe dzokuEzhia Diki dzinnohwa mazita adzo pakutaurwa kwamashoko anobva kuna Jesu muzvitsauko 2-3 Johani akaona chiratidzo chaJesu uyo waanotsanangura muchitsauko 1. Muzvitsauko 4-5 anoona chimwezve chiratidzo chaJesu, uye pazvinoitika Jesu anotora bhuku rakapetwa kubva muruoko rwo’uyo akanga agree pachigaro chokutonga.’ Zvimwe zvitauko zvose zvinotevera zvinotaura zvinoitika Jesu achizarura bhuku. Zvitsauko izvi zvizere nemifananidzo yakaoma iyo yatisinganyatsonzwisisa uye hatigoni kunyatsoziva zvainoreva. Asi nyaya iri mubhuku umu ndeyokuti Mwari ndiye ari kutinga, uye zvakaipa zvose zvichaparadzwa pakupedzisira.
JUDHA
JUDHA
Vazhinji vanotenda kuti Judha aiva munun’ina waJesu. Tsamba yake inoshandisa mashoko mamwe chete na-2 Petro 2:1 na-3:3 achitsiura vose vanotsauswa nedzidziso dzenhema. Naiyewo anonyora pamusoro pokurangwa kuchauya, uye anokurudzira vaverengi vake kuti varambe vari padzidziso yakare.
3 JAHANI
3 JAHANI
Tsamba iyi yakanyorerwa munhu anonzi Gayo ari kurumbidzwa nokuda kwokumira kwake muchokwadi. Murume anonzi Dhiotirefesi ari kuzviita mutungamiri asi asingagamuchiri hama dzomukereke.
2 JOHANI
2 JOHANI
Tsamba iyi yakanyorerwa ku’mudzimai akasanangurwa’. Mumwe amadingindira ari muna 1 Jahani anowanikwawo mutsamba ino anoti: kuda Mwari zvinoreva kuita zvaakati tiite, uye nokuda vamwe. Munyori anopa yambiro pamusoro pavadzidzisi venhema.
1 JOHANI
1 JOHANI
Zvinogona kuva izvo kuti munyori wa- 1 Johani ndiyewo munyori wa- 2 na- 3 Johani, uyezve nomunyori wevhangeri raJohani pamwe chetewo nebhuku reZvakazarurwa. Zviri pachena kuti vaKristu vaari kunyorera 1 Johani vakanga vachishuhwa navadzidzisi venhema. Vaiti vaiva nokunzwisisa kwakadzama pamusoro pezvinhu zvomweya. Izvi zvaireva kuti vaiti vaiva vakakwana uye kuti Jesu haana kuuya panyika somunhu wenyama. Pamhinduro, Johani anosimbisa chokwadi chiri muvaKristu: ‘tinoziva’ ndiro shoko raanofarira kushandisa. Chimwe chezvinhu zvinoratidza kuti vanhu vanenge vari vaKristu ndechokuti vanoda vamwe vaKristu.
2 PETRO
2 PETRO
Tsamba iyi inotanga namatangiro a – 1 Petro pamusoro pamararamiro echiKristu. Zvitsauko 2 ne- 3 zvinotaura nesimba pamusoro paavo vanotungamirira vanhu mukurasika nedzidziso dzenhema, uye munyori anotaura zvakazara pamusoro pokurangwa kwavo kuchauya. Izvi zvinobva zvaita kuti ataure nezvokudzoka kwaJesu.
1 PETRO
1 PETRO
Tsamba iyi yakanyorerwa vaKristu vaiva kumahombekombe kweGungwa Dema, zvichida muna vana-60 Kristu asati aberekwa. Dingindira nderokutambudzika, uye zvichida vaverengi vetsamba vanofanira kunge vaisangana nokutambidzwa nokuda kwokuti vaiva vaKristu. VaKristu havafaniri kushamisika kana vachisangana nokupikiswa uye nokutambudzwa: Jesu muenzaniso wavo, zvirokwazvo akatambudzwa. Zvechokwadi, vanozara netariro uye nomufaro nokuti vari kugoverana naJesu nenzira iyi. Mutsamba iyi yose mune nzira dzokurarama nadzo somuKristu.
Monday, March 24, 2014
JAKOBHO
JAKOBHO
Anogona kunge akanga ari munun’una waJesu uye aivawo mutungamiri wekereke yokutanga muJerusarema. Inofanira kunge yakanga iri iyo tsamba yokutanga muTestamende Itsva pakunyorwa, uye inobata mararamiro avanhu. Madingindira acho ndeaya: kana tichiti tiri vaKristu tinofanira kurarama savaKristu, rusarura rworudzi rupi zvarwo rwakaipa, sokuipa kwakaita kudzvinyirira vasina simba navarombo. VaKristu vanofanira kuzvibata, kunyanya pane zvavanotaura.
VAHEBHERU
VAHEBHERU
Hatizivi kuti akanyora tsamba iyi ndiani, kana kuti vaifanira kuverenga ndivanani. Sezvo dingindira romunyori riri Temberi nemitambo yayo, zvaiva zvinongedzo zvenguva iyoyo kuchiKristu, zvingangodaro kuti vaverengi varo vaiva vaJudha. Shoko rakakosha mutsamba iyi nderokuti ‘nani’. Jesu akabayira chibayiro chiri nani (uye chokupedzisira (zvitsauko 4-7). Ndiye ari pamusoro pavose vakamutangira: mukuru kuvatumwa (zvitsauko 1-2), mukuru kuna Mozisi (chitsauko 3). Sungano Itsva yakabvisa Sungano Yakare (zvitsauko 8-10). Muzvitsauko zvokupedzisira anonyora achikurudzira vaverengi vake kuti varambe vachipfuurira mberi kana vachisangana nezvakaoma uye nokupikiswa. Vanhu vomuTestamende Yekare vakaita zvakanaka nokuti vakavimba naMwari (chitsauko 11). VaKristu ngavatevedzere muenzaniso wavo uye nomuenzaniso waJesu (chitsauko 12).
FIRIMONI
FIRIMONI
Anogoana kunge aiva mutendi waPauro zvino akanga ava mubati mukereke. Onesimo mumwe wenhapwa dzake, akanga amutiza, asi akanga asangana naPauro akabva ava muKristu. Pauro anonyora kuna Firimoni achiti akanga achizotumira Onisimo kwaari tenzi wake zvakare, uye akanga achikumbira Firimoni kuti amuitire zvaisawanzoitwa nguva idzodzo – kumuregerera uye nokudzorera Onisimo pabasa.
TITO
TITO
Namanyorero mamwe chetewo sokuna Timoti, Tito akanga ari mutungamiri mukereke yaiva pachitsuwa cheKerete. Pauro anonyora sezvaakaita muna 1 Timoti, pamusoro pamamiriro noutungamiri hwekereke, dzidziso dzezvokwadi panguva iri kudzidziswa nhema, uye namafungiro akanaka mukereke, kumabasa nomunyika.
2 TIMOTI
2 TIMOTI
Tsamba iyi yakanga yakanyanya kurerekera kuna Timoti pachake, uye yakanyorwa kumagumo kwoupenyu hwaPauro. Anopa Timoti yambiro yokuti dzidziso dzenhema dzkanga dzichiwanda uye vanhu vakanga vachizonyengerwa zviri nyore. Nokuda kwaizvozvi Timoti aifanira kumira pachokwadi, chaizomupa kushinga.
1 TIMOTI
1 TIMOTI
Pauro akanga asangana naTimoti parwendo rwechipiri rwokuparidza vhangeri (Mabasa 16:1-3) uye Timoti akanga amboshanda naye. Zvino akanga ava mutungamiri wekereke yapaEfeso, uye Pauro anomunyorera kuti amukurudzire nokumupa dzidziso pamusoro pamafambisirwo ekereke iyoyo. Anonyora pamusoro pomunyengetero waparuzhinji, kugadza vatungamiri, rubatsiro kuchirikadzi, uye namabatirwo enhapwa (chitsauko 2-5). Anopa yambiro pamusoro pavaya vanodzidzisa dzidziso inopesana nezvakadzidziswa navatungamiri vanozivikanwa.
2 VATESARONIKA
2 VATESARONIKA
KerekeyapaTesaronika yakanga isina kunyatsonzwisisa tsamba yaPauro yokutanga. (1 Tesaronika) pamusoro pokudzoka kwaJesu. Vakanga vakangaswa navamwe vadzidzisi vakanga vachiti Jesu akanga atodzoka kare. Pamusoro pezvo, dzimwe nhengo dzekereke dzakanga dzotorega kuita mabasa dzichiti Jesu akanga atodzoka, nokudaro pakanga pasina chikonzero chokuramba vachienda kumabasa. Pauro akagadzirisa matambudziko ose aya.
1 VATESARONIKA
1 VATESARONIKA
Pauro akatanga kereke iyi panguva yorwendo rwake rwokuparidza vhangeri rwechipiri (Mabasa 17:1-9) pakati pokupikiswa navaJudha. Tsamba iyi na – 2 Tesaronika ndiwo mamwe amatsamba aPauro okutanga. Nokuti vaJudha vakanga varamba vachingopikisa unhu hwake. Pauro akatanga nokutaura kuti iye aiva mupostori wechokwadi (zvitsauko 1-2). Kubva pachitsuko 3 tinodzidza kuti Timoti akanga ambotumwa kukereke iyi uye akanga adzoka kuna Pauro nenhau dzaifadza. Muzvitsauko 4 na-5 Pauro anopindura mibvunzo miviri: Chiiko chinoitika kuvaKristu kana vachinge vafa? Uye kuti Jesu anodzoka riini?
VAKOROSE
VAKOROSE
Kereke iyi yakatangwa naEpafurasi, mumwe wavatendi vaPauro. Zvinhu zvakanyorwa mutsamba iyi zvinoisa pachena kuti dzidziso dzenhema dzakanga dzava kupinda mukereke. Nokuda kwaizvozvo Pauro anosimbisa kunaka kwevhangeri rechokwadi: Jesu ndiye mukuru wezvose. Akanga ariko nguva isati yatanga uye ndiye anobatanidza Mwari navanhu pamwe chete zvakare (Chitsauko 1). Tsika namagariro, mitemo, mafungiro nokuzviramba hazvisizvo zvinodiwa (Chitsauko 2), asi ukama hwakanaka nemifungo yakanaka ndizvo zvinodiwa mukereke, kumabasa nomuupenyu (Chitsauko 3-4).
VAFIRIPI
VAFIRIPI
Pauro akatanga kereke iyi parwendo rwake rwokuparidza vhangeri rwechipiri (Mabasa 16:6-40), uye tsamba iyi yakanyorwa makore gumi kana gumi namaviri mushure mokunge ambovashanyira. Itsamba yaakanyorera kukereke iyi yaaida kwazvo. Anotaura nezvokusungwa kwake kwakaita kuti vhangeri riparidzwe kuvaRoma (Chitsauko 1). Chitsauko 2 china mashoko akakosha pamusoro paJesu somuranda akanga akazvipira kusiya kodzero dzake kuti zvinakire vamwe, uye Pauro anokurudzira kereke kuti itevere muenzaniso uyu.
VAEFESO
VAEFESO
Tsamba iyi inogona kunge yakanyorerwa kukereke dzakawanda muEfeso nenzvimbo dzakapoteredza guta iri. Pauro akanga atanga kereke iyi parwendo rwake rwokuparidza vhangeri rechitatu (Mabasa 18:23 – 20:1). Dingindira riri pachena retsamba iyi nderokubatana: urongwa rwaMwari nderwokupedza kupesana kwose kuri pakati pavarume nevakadzi, magariro avanhu, tsika, marudzi uye nezvinamato. Jesu Kristu ndiye anouyisa kubatana uku. Zvitsauko 4 – 6 zvinoratidza kuti kubatana uku kunogoneka: muukama hwakanaka mumhuri, mukereke uye napamabasa.
Wednesday, March 19, 2014
VAGARATIA
VAGARATIA
Iyi inofanira kunge iri iyo tsamba yokutanga yaPauro, uye dingindira rayo rakafanana neromuna VaRoma. Zviri pachena kuti vaJudha vaifunga kuti vaya vakanga vasiri vaJudha vaifanira kutevera murayiro wechiJudha kunyanya mirayiro yezvokudya neyokudzingiswa, vose vaiva vaKristu. (Mabasa anotiudzawo chinhu ichi). Mwoyo wedzidziso yaPauro panyaya iyi unowanikwa pa-2:14-21: ukama hwakanaka naMwari hunokwanisika chete kubudikidza naJesu, uye hakuna chimwezve chinhu chinodiwa. Zvitsauko 5-6 zvinoratidza kuti izvi hazvirevi kuti tinogona kuita zvatinoda. VaKristu vakadanwa kuti ‘vashumirane mumwe nomumwe murudo.’ Uye Mweya Mutsvene wakapiwa kuti uvabatsire kuita izvi.
2 VAKORINDE
2 VAKORINDE
Pakati petsamba iyi neyokutanga, Pauro akashanyira kereke iyi. Pakanga pava nokutsoropodza nokuvengwa kwake, uye utungamiri hwake hwakanga hwopiwa mibvunzo. Ukama hwakanga hwava nani pari zvino, asi Pauro akaona zvakafanira kuti avaonese kukodzera kwesimba rake somupostori (zvitsauko 2-3, 10-13). Tsamba iyi inoratidza udzamu hwokurwadziwa kwaPauro (chitsauko 7). Chitsauko 5 chine dzimwe dzidziso pamusoro poupenyu norufu, uye zvitsauko 8-9 zvinopa chikumbiro chorubatsiro rwemari yaizopiwa kukereke dzakanga dzichiomerwa.
Subscribe to:
Posts (Atom)