Wednesday, May 30, 2012

DHUTERONOMI

DHUTERONOMI Zviitiko zvebhuku iri zvakaitika pamuganhu wenyika yeIsraeri. Zvinopiwa seMharidzo nhatu dzaMozisi dzaakapa pamusoro perwendo rwavo kubva kuIjipiti, kumukira kwavanhu uye nomwoyo murefu waMwari. Akataurazve uye akasimbisa mimwe yemitemo yomuna Ekisodho, Revhitiko naNumeri (ndipo pakabva zita rebhuku, rinoreva 'kupiwa kwemirairo kwechipiri'), uye rinosimbisa kuti vaifanira kuteerera mushure mokunge vatora nyika yeIsraeri. Bhuku iri rinopedzisira namashoko okupedzisira aMozisi, uye norufu rwake.

No comments: