Tuesday, May 29, 2012

EKISODHO

EKISODHO Chinokosha mubhuku iri kununurwa kweIsraeri naMwari kubva muIjipita uye zita rebhuku iri rinoreva kuti 'kubuda'. Pakati paGenesis naEkisodho pane makore mazana mana uye munguva iyi vaIjipita vakapinduka pamabatiro avo vaIsraeri, kubva pakugarisana zvakanaka, vakatanga kuvaitira zvakaipa nokuvadzvinyirira. Mozisi akatanga kutungamira vanhu vaMwari kubva muIjipita, achienda kunyika yeIsraeri. Pagomo reSinai Mwari akapa Mozisi Mirayiro yaizofanira kuva hwaro hwoupenyu hworudzi rutsva urwu. Iyi ndiyo yakaiswa pamwe chete ikava Mirayiro ineGumi

No comments: