Thursday, May 31, 2012
1 MADZIMAMBO
1 MADZIMAMBO
Mabhuku maviri aya amadzimambo anobata nhoroondo yeIsraeri kwamakore anoda kusvika mazana mana.
Zvitsauko gumi nechimwe chete zvokutanga zva 1 Madzimambo zvinotaura pamusoro pomwanakomana waDhavhidhi, Soromoni, mambo wechitatu weIsraeri. Kukosha kwake kuri pakuvaka kwaakaita temberi muJerusarema, panova ndipo pamoyo wechinamato cheIsraeri. Mwanakomana wake, Rehobhoamu akagara nhaka yenyika yakanga isingagutsikani uye nokuda kwoupenzi hwake, marudzi gumi akazvitsaura akazviita nyika pachavo pasi pokutonga kwomumwe aiva muchinda waSoromoni, ainzi Jerobhoamu. Nokudarowo, nyika iyi yakanzi Israeri, kana kuti umambo hwomusoro, uye mamwe marudzi maviri akasara akanzi Judha, kana kuti nyika yezasi. Nhoroondo yenyika idzi mbiri inotaurwazve nezvayo mune zvimwe zvitsauko zva - 1 ne- 2 Madzimambo. Eri muprofita anokosha, ndiye anonyanyotaurwa nezvake kumagumo kwa 1 Madzimambo.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment