Tuesday, December 29, 2009

Vamwe Vanhu Vanove Vana Vamwari

Vamwe Vanhu Vanove Vana VaMwari. Zano raMwari kuvanhu vose nderokuvaponesa uye nokuvaita vana vake. Mwari anokwezva vanhu nerudo rwake kuitira kuti vazhinji vasarudze kuve vana vechokwadi. Vana ava vaMwari vachaenda kudenga naye nokusingaperi rimwe zuva.Kana tikaongorora mbeu dzemumwe muti,tinoona kuti Mwari anosika mbeu zhinji dzakadai. Asi shoma dzembeu idzi ndidzo dzichamera, dzichakura uye nokubereka muchero. Saizvozvowo Mwari akaita vanhu vazhinji. Asi vanhu vose havazove vana vaMwari. Avo chete vanosarudza mumwoyo yavo uyenenouya kuna Mwari nenzira yaakagadzirira ndivo vanove vana vake vechokwadi mumweya. (verenga Johane 17:1-3,9,15; VaRoma 8:29,30; 2 Timotio 1:9; neVaHeberu 2:10).

No comments: