Tuesday, December 29, 2009

Bhabheri nderechokwadi nokuti rakazviratidza pacharo kuti nderechokwadi.

Bhabheri nderechokwadi nokuti rakazviratidza pacharo kuti nderechokwadi. A. Chokutanga, Bhabheri rakazviratidza pacharo kuti nderechokwadi nokutaura nemazvo zvaizoitika munguva yaizotevera. MuBhaibheri rose tinowana zviprofita. Zvatinodzidza nhoroondo yaBhabheri, tinoona kuti zvinhu zvakataurwa muBhabheri kuti zvichaitika zvakaitika sokuprofitwa kwazvakaitwa neBhaibheri. Nhoroondo yakaratidza kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi. B.Chchipiri, Bhabheri rinozviratidza kuti nderechokwadi kana tichiedza kutsvaka kuve nechokwadi kwaro. Upenyu hwedu hwakanyangadzwa nechivi. Kana tichiverenga, tichitenda uye nokuteerera dzidziso dzeShoko raMwari, tinove nerugare mumwoyo yedu. Saka tinoziva kuti Bhaibheri nderechokwadi nokuti rakazviratidza pacharo kuti nderechokeadi muupenyu hwedu.

No comments: