Tuesday, December 29, 2009

Ko Iro Bhaibheri Chii?

Ko Iro Bhaibheri Chii? 1. Bhaibheri, kana kuti Mangwro Ishoko raMwari Rakafemerwa. Pauro akati, "Rungwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari..."(2 Timotio 3 : 16). Saka tinoona kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakanyorwa. 2. Kuburikidza nevarume vaitungamirirwa neMweya Mutsvene, Mwari akazviratidza iye pamwe nechido chake kuvanhu. Zvikamu zvose zveBhaibheri zvakafemerwa naMwari. Zvisinei, zvimwe zvikamu zveShoko raMwari zvinonyatsonzwisisika kupfuura zvimwe zvacho. 3.Bhaibheri rine mabhuku makumi matanhatu ane nhanhatu. Rakatsaurirwa muzvikamu zviviri.Chikamu chokutanga chine mabhuku makumi matatu ane mapfumbamwe (39) emuBhaibheri. Chinodaidzwa kuti Teatemente Yekare.Chakanyorwa Jesu asati azvarwa panyika. Chikamu chechipiri ndechemabhuku makumi maviri ane manomwe (27) okupedzisira. Chinodaidzwa kunzi Testamente Itsva. Chakanyorwa shure kwebasa rakaitwa naJesu achiri pano panyika.

No comments: