Tuesday, December 29, 2009
Ko tinoziva sei kuti Bhabheri nderechokwadi?
Ko tingaziva sei kuti Bhaibheri nderechokwadi?
1. Bhabheri nderechokwadi nokuda kwokubatana kwaro.Mabhuku makumi matanhatu ane nhanhatu ebhabheri akanyorwa makore anopfuura chiuru nemzana mashanu akapfuura. Bhaibheri rakanyorwa nevarume vakatsaukana nangasvike makumi mana. Asi, kana mabhuku ane makumi matanhatu ne nhanhatu abatanidzwa pamwe chete anotaura rungano rumwe chete rwaMwari, rudo rwake, uye nenzira yake yoruponeso nemuna Jesu Kristu. Sezvo Bhaibheri rakanyorwa kwenguva yakareba zvakadai nevarume vazhinji vakatsaukana, tinoziva kuti ndiMwari akaudza murume mumwe nomumwe zvinhu zvaaifanira kunyora. Kunyange zvazvo Bhaibheri rine mabhuku mazhinji akatsaukana, IBHUKU RIMWE CHETE. Rine munyori MUMWE CHETE WECHOKWADI,Mwari pachake. Izvi ndizvo zvatinoreva kana tichiti kubatana kwebhabheri.Sezvo Bhabheri rine kubatana uku tinotenda kuti nderechokwadi.
2. BHABHERI NDERECHOKWADI NOKUTI TINTENDA MUNA MWARI.Dai pakanga pasina Mwari mupenyu, kana kuti dai Mwari asina kuva nehanya nevanhu, kungadai kusina Bhaibheri. Mwari akapa Bhaibheri nokuti ane hanya nevanhu.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment