Friday, November 2, 2012

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI NEZVE MHURI YAKO

• Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha. Joshua 24: 15. • Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maerenano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo Munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu. Vaefeso 4: 29 – 32. • Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Zvirevo 22: 6. • Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Mabasa 16: 31. • “Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. Ekisodho 20: 12. • Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta Seiko kereke yaMwari?). 1 Timoti 3: 1, 4 – 5. • Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari. Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya. Akaropofadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo. Mapisarema 127: 3 – 5. • Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, uye mwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.” Maraki 4: 6. • Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo. Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka. Zvirevo 17: 6, 17, 25. • Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Uzvisimbise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka. Isungirire pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungirira pahuma dzenyu. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu. Dhuteronomi 6: 6 – 9. • Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa Rugare; achauyisa mufaro kumweya wako. Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro. Zvirevo 29: 17 – 18. • Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama. Zvirevo 13: 22. • Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nkubudirira zvichava zvako. Mapisarema 128: 1 – 2. • Baba vomunhu vakarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo! Zvirevo 23: 24 – 25. • Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji. Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama. Zvirevo 4: 10 – 11. • Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai, Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti murege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo Munyoro kuno mumwe nomumwe wennyu uye nokuna vose. 1 Vatesaronika 5: 12 – 15. • Maari uye kubudikidza nokutenda kwaari tigone kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudzoko angu nokuda kwenyu, ndiko kukudzwa kwenyu. Vaefeso 3: 12 – 13. • Asi chibereko chomweya ndirwo rudo, mufaro, Rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverwa pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Vagaratia 5: 22 – 24. • Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. Vakorose 3: 15 – 17. • Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu. Jahani 13: 34 – 35. • Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. Vaefeso 4:2 – 3. • Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu. Vaefeso 5: 21. • Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika. Vafiripi 2: 14 – 15. • Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru, kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo. Zvirevo 5: 1 – 2. • Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,” kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.” Vaefeso 6: 1 – 3. • Iva norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Varoma 12: 10 – 13. • Zita rakanaka rinodiwa kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Zvirevo 22: 1.

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI NEZVE HAMA DZEDU DZISINA KUPONESWA

• Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Mabasa 16: 31. • Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako yose. Mabasa 11: 14. • “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe mumakomo anotsvaka rakarasika here? Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. Mateo 18: 12, 14. • Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako. “Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupadzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. Isaya 44: 3, 6. • Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. 2 Peter 3: 9. • Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. 1 Vatesaronika 5: 23 – 24. • Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi, Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. Mapisarema 98: 2 – 3. • Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe naMwari wake. Isaya 50: 10. • Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi. Mapisarema 55: 23. • “Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. Isaya 56: 1. • Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakurai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri: asi kana ndikaenda, ndichamutumirai kwamuri. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa: pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri. Jahani 16: 7 – 9. • Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Zvirevo 22: 6.

Thursday, November 1, 2012

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI ZVAUNOTARISIRWA KUNGE UCHIITA SOMUKRISTU AZERE

• Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kusvisikwa zvose.” Mako 16: 15 • Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nemuJudhea mose, nomuSamaria, uye kusvikira kumagumo enyika.” Mabasa 1: 8. • Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswa nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kokuti uraswe ugotsikwa zvawo nevanhu. Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga. Mateo 5: 13 – 16. • Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipa mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutirongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokudya? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutirongo tikakushanyirai? “ Mambo achapingura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’ Mateo 25: 35 – 40. • Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasirwi nomubayiro wake.” Mateo 10: 42. • Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi. 1 Timoti 5: 8. • Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Zvirevo 22: 6. • Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu nerudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira. Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu. Hatidi kuti muve simbe,asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira. Vahebheru 6: 10 – 12. • Kana hama kana hazvadzi ikashaiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa. Jakobho 2: 15 – 17. • Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita sei?” Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye naane zvokudya ngaadye navamwe.” Ruka 3: 10 – 11. • Hama dzangu kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa muratiro waKristu. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nouno mudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Vagaratia 6: 1 – 6.

Wednesday, October 31, 2012

"But Christ being come an high priest of good things to come, by a greater and more perfect tabernacle, not made with hands, that is to say, not of this building. Neither by the blood of goats and calves, but by His own blood He entered in once into the Most Holy Place, having obtained eternal redemption for us."Hebrews 9:11-12

The Jews marked the Day of Atonement which marks the holiest of all holy days on the Hebrew calendar. It is the anniversary of the fall of man and it is the climax of the time of repentance. On this holy day, all around the world, the religious will fast from food and water and read prayers in the synagogue, as will the majority of traditional Jews. Atonement means "covering". On this day, according to the Scriptures, the High Priest would slay a goat and sprinkle its blood on the Ark of the Covenant so that the sins of the people might be cleansed and they could have favor in the sight of God. This act was clearly a foreshadowing of the covering that would come when Messiah would die for our sins, our perfect and innocent Lamb. Today, there are no more sacrifices and no more Temple. Yet the religious are convinced that their sins will be atoned for by doing their best to keep the law and doing good works. Sadly, there is only one recipe for true atonement -- trusting in the One of whom was prophesied long, long ago Jesus the Messiah. His blood has covered over all of us who believe so that our sins might be washed away, that we might have favor in the sight of God and that we might have our names inscribed in the Lamb's Book of Life. Brothers & Sisters, let's take some time to repent and get right with the Lord, ourselves -- allow the Lord to reveal our sins, both known and unknown. Perhaps God will call you to fast and pray along with us. We look forward to the wonderful day when ALL man shall be saved! TAKE US TO THE HOLY OF HOLIES!

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI PANYAYA YOKUREGERERA VAMWE

• “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu. Mateo 6: 14 – 15. • Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe. Mateo 18: 21 – 22. • Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza itsuure, uye kana akatendeuka, umuregerere. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.” Ruka 17: 3 – 4. • Uye paunomira uchinyengetera kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako. Mako 11: 25. • Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Vakorose 3: 13. • Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai. Mateo 5: 44. • Regai kudzorera chaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropofadzo,nokuti ndizvo zvamakadanhirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropofadzwa. Nokuti, “ Uyo anoda upenyu nokuona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa nemiromo yake pakutaura zvinonyengera. 1 Petro 3: 9 – 10. • Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo Munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu. Vaefeso 4: 31 – 32. • Hama, handioni kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichinanavira zviri mberi, ndinoshingaira kunharidzano kuti ndiwane mubayiro wandakadanhirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu. Vafiripi 3: 13 – 14. • “Chikanganwai zvinhu zvakare; musarambe muri pane zvakapfuura. “Ini, iyeni, ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako. Isaya 43: 18, 25. • Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchisunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari. Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Iye haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kune iye anotonga nokururama. 1. Petro 2: 19 – 23. • Vakaropofadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndorwavo. “ Makaropofadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakatungamira. Mateo 5: 10 – 12. • Nokuti tinomuziva iye akati, “ Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.” Vahebheru 10: 30. • Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazikanwi chaitika kwamuri. Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake. Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya ndowaMwari unogara pamuri. 1 Petro 4: 12 – 14. • Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka. Varoma 12: 21.

BHAIBHERI RINOTI CHII NEMAKRISTU

• Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savanna vanodikanwa. Vaefeso 5: 1. • “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda. Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri. Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. Johani 15: 1 – 4. • Ngatirege kuneta pakuita zvakana, nokuti nenguva yakafanira tichakowa kana tisingaori mwoyo. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi. Vagaratia 6: 9 – 10. • Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, neunyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nemwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirairana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nadzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. Vakorose 3: 12 – 17. • Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvave zvitsva. 2 Vakorinde 5 – 17. • Tsungirirai pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. 2 Timoti 2: 3. • Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Krustu Jesu. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru. Kwasisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwasisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia. Varoma 16: 3 – 5. • Ipapo mumwe munhu akasvika akti,”Tarirai! Varume vakaiswa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu”. Pakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe. Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru. Akati, “Takakurayirai, zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu”. Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu! Mabasa 5; 25 – 29. • Jehovha ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye, anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza, anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozununguswi. Mapisarema 15: 1 – 5. •

BHAIBHERI RINOTI CHII NEVASINA KUPONESWA

• Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye anoshairwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Varoma 3: 22 – 24. • Naizvozvo tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Varoma 5: 12. • Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Varoma 6: 23. • Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo. Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Varoma 1: 18 – 20. • Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takashayiwa mhosva neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari.Varoma 5: 8 – 9. • Akati kwavari, “Engai munyika yose muparidze vhangeri kusvisikwa zvose. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa. Mako 16: 15 – 16. • Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingagoni vaone, kuti ndisungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe. Ruka 4: 18 – 19. • Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. 2 Peter 3: 9. • Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Johani 3: 17. • Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke. Ruka 5: 32. • Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika. Ruka 19: 10. • Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva. Johani 3: 3. • Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Johani 3: 16. • Vakapindura vakati,”Tenda kunaShe Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako. Mabasa 16: 31.