Friday, June 1, 2012
EZIRA
EZIRA
Bhuku iri rinotevera 2 Makoronike. Mambo wePezhia akatonga kuti vaJudha vadzokere kuIsraeri uye kuti vandovakazve Temberi yeJerusarema. Muzvitsauko 3-6 tinodzidza kuti pakutanga aritari yakvakwazve uye zvibairo zvakatanga kubayirwa, asi vapikisi vakamisa kuvakwa kweTemberi kwamakore mazhinji. Pakupedzisira yakazopedziswa uye ikakumikidzwa. Munguva yakazotevera (zvitsauko 7-10) Ezra, nyanzvi pamurayiro weJudha, akatumwa kubva kuBhabhironi kuti andobatsira uye atungamirire guta iri idzva rakanga richangotanga. Dambudziko guru rakanga riri rokuti vaJudhaa vakanga vava kuroorana navanhu vamamwe marudzi, naizvozvo izvi zvaizokanganisa rudzi.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment