Friday, June 1, 2012

1 MAKORONIKE

1 MAKORONIKE Mabhuku maviri aMakoronike anobata nguva imwe chete yaSamueri naMadzimambo asi zvichibva pane maonero akati siyane. Munyori wacho anonzivikanwa so'Muunganidzi weNhoroondo' anoratidza kuti Dhavhidhi ndiye akateya nheyo dzeIsraeri panyaya dzokunamata, kunyange zvazvo asiri iye akavaka Temberi. Muzvitsauko zvipfumbamwe zvokutanga anoshandisa nhoroondo dzemhuri kuti atevedze nhoroondo yeIsraeri kubva kuna Adhamu kusvikira kuutapwa, achiratidza kuti vaJudha vanhu vaMwari zvamazvirokwazvo.

No comments: