Tuesday, March 23, 2010

VATUNGAMIRIRI VECHECHI

1. MUFUNDISI - Mazwi anoti "mufudzi" "mukuru" na"Bhishopu" anoshandiswa kureva chinhu chimwe chete muTestamente Itsva. Muna Mabasa chitsauko 20, Pauro akaraira kuiti kudaidzwe vakuru vechechi yepaEfeso (ndima 17). Mundima 28 anovaudza kuti Mweya Mutsvene wakavaita vatariri (mabishopu), uye kuti vaifanira kufudza (kufundisa) chechi. Petro anozvidaidza kuti mukuru muna 1 Petro 5:1.

Zvichida pachave nomubvunzo unoti, "Ko ndiani anofanira kuve mufundisi wechechi?" Tinowana zvinodikanwa naMwari kuti munhu ave mufundisi zvakapiwa muna 1 Timotio 3:1-7, nomuna Tito 1:7-9. Ndima idzi dzinofanira kudzidzwa zvakanaka nemunhu wose womuchechi.

Chechi inofanirawo kuyeuka kuti Mwari aive nechikonzero zvaakapa zvinodikanwa izvi. Kana chechi ichitsvaka mufundisi, inofanira kuve nechokwadi chokuti murume uyu akakodzera mayererano nezvinotaurwa neBhabheri, asati akokwa kuti ave mufundisi wechechi.

2. MADHIKONI - Machechi omuTestamente Itsva akangawo ane madhikoni. Zvinodikanwa kumunhu kuti ave mudhikoni zvinowanikwa muna 1 Timotio 3:8-13 nomuna Mabasa 6:1-6.

No comments: