Wednesday, March 17, 2010

HURUMENDE YECHECHI

SemaBaptist tinotenda kuti takaenzana tose uye tinobatana zvakaenzana mukufambisa basa rechechi. Kutenda uku nokuita kwacho kunowanikwa muzvinhu zvinotevera:

1. Kuve Musoro kwaJesu Kristu: Taona kare kuti Kristu ndiye musoro wechechi. Zvakaita kuchechi zvakafanana nezvakaita musoro kumuviri. Musoro ndiwo unotungamirira nhengo imwe neimwe kana chikamu chemuviri. Nenzira imwe cheteyo. Kristu nemuMweya Mutsvene ndiye anotungamirira muKristu mumwe nomumwe uye nokutungamirira muviri wose zvawo.

2. Kuenzana kweVatendi Vose. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti vatendi vechokwadi vose inhengo dzemuviri waKristu, unonzi Chechi. Hapana imwe nhengo imwe chete yemuviri kana kuti chechi ingatonge imwe nhengo yechechi. Nenzira imwe chete ruoko harungaudze tsoka zvokuita. Iro ibasa romusoro. Nyatsodzidza VaRoma 12:3-6 na 1 VaKorinte 12:14-20.

3. Mienzaniso Inoonekwa muTestamente Itsva. Mudhikoni zvaakasarudzwa, zvakaitwa nechechi yose zvayo. (Verenga Mabasa 6:1-6)
Apo maKristu akatarisana nedambudziko rakaipisisa, chechi yose zvayo ndiyo yaisarudza zvaifanira kuitwa. "Ipapo vaapostora, nevakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBarnabasi..." (Mabasa 15:22)
Apo paive nedambudziko raida kuranga kwechechi, chechi ndiyo yaibvumidzwa kuita zvayaigona maererano nenhengo yainge yatadza (verenga 1 VaKorinte 5:1-5; Mateo 18:15-17

No comments: