Tuesday, March 16, 2010

MUSORO WECHURCH

Pauro anodaidza Kristu kuti "musoro wekereke" katatu mubhuku reVaEfeso 1:22; 4:15; 5:23). Hapana munhu kana boka ringave musoro wechechi. Ko Bhaibheri rinorevei kana richidaidza Kristu kuti "musoro wekereke"?

Rinoreva zvinhu zvinotevera:
1. Kristu ndiye chete angave mutungamiriri wechechi.
2. Kristu anotungamirira uye nokupa mazano kuchechi.
3. Nzvimbo yorukudzo muchechi inofanira kupiwa kuna Kristu nguva dzose.

Unhengo MuChechi

MuTestamente Itsva tinowna pane zviviri zvinodikanwa zvakapiwa kuitira unhengo muchechi yepanzvimbo imwe neimwe: ruponeso, nerubhapatidzo.

1. Chechi inofanira kuve nevanhu vakaponeswa voga mununhengo hwayo. "....Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa" (Mabasa 2:47).
Pane dzimwe nguva vanhu vasina kuponeswa vanove nhengo dzechechi yepane imwe nzvimbo. Uku kuita kwemunhu. Hakufambirani nezano raMwari. Vamwe vanhu vanove nhengo dzechechi nokududza kutenda kwenhema. Dzimwe chechi dzinounza vacheche kuti vave nhengo. Mwari anoda avo vakaberekwa kutsva muunhengo hwechechi.

2. Chechi inofanira kuve neavo vakabhapatidzwa voga muunhengo mayo sokudzidzisa kunoita Bhabheri. "Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene" (Mateo28:19).
Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhapatidzwa: nezuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa." (Mabasa 2:41)

Kubva kundima idzi nokune dzimwe zhinji, tinodzidza kuti Jesu akaraira kuti rubhapatidzo rwuvepo. Machechi anotsanangurwa muTestamente Itsva aibhapatidza vanhu shure kokunge vaponeswa. Ichi ndicho chikonzero nei nhengo dzechechi dzichifanira kubhapatidzwa sokuratidzwa kwazvo muTestamente Itsva. Kunyudzwa pasi pemvura mufananidzo wokuvigwa nokumuka-sokuvigwa kwakaitwa Kristu uye akamuka kuvakafa (VaRoma 6:4,5)

No comments: