1. Pane nguva apo kuranga kunodikanwa. Kana upenyu hwenhengo yechechi huchipesana nedzidziso dzaJesu zvokuti huri kuunza chinyadzo kuchechi uye nokukuvadza basa raKristu, chinove chinhu chafanira kuti chechi imurange.
"Zvino hama dzangu, tinokurairai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirairo yamakapiwa nesu" (2 VaTesaronika 3:6).
"Kuti munhu wakadai aiswe kuna Satani, nyama iparadzwe.." ( 1 VaKorinte 5:5).
2. Kana chechi ichiranga munhu, inofanira kuve nevavariro nepfungwa yakanaka.
"....kuti mweya uponeswe pazuva raShe" ( 1VaKorinte 5:5).
Kana kuranga kuchifanira kuitwa kunofanira kuitwa nechechi mumweya werudo (VaGaratia 6:2). Hakumbofanira kuitwa nemweya wokutsiva kana wokurwadzisa, asi nechido chokuti nhengo isina kuteerera ione chivi chayo, itendeuke uye idzokere mukutevera Ishe Jesu.
No comments:
Post a Comment