Thursday, March 11, 2010

KO CHECHI CHII?

Chechi iboka revatendi vakabhapatidzwa vakabatana pamwe chete kuti vateerere mirairo yaJesu. Nima zhinji dzinotaura nezvechechi muTestamente Isva dzinotaura maerano nesangano revatendi. Chechi yakasimba nguva dzose sephungwa yomuTestamente Itsva isangano revatendi vechokwadi vepanzvimbo imwe neimwe.

CHECHI YAKATANGISWA NACHRISTU

Muna Mateo 16:18, Jesu akadvira kumhinduro yaSimoni Petro yokuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari nokuti, "Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu.......

Ko chii chaive ruware apo Kristu aizovakira chechi yake? Zvechokwadi pakanga pasiri pamurume anonzi Petro. Mwari haaizovakira chechi yake pamunhu zvake. Kunze kwezvivi, Testamente Itsva haipe Petro nzvimbo yerukudzo rwepamusoro pakati pevapostora.

Muchitsauko chakarecho Jesu akati, "pamusoro poruware urwu ndichavakira kereke yangu," akatiwo kuna Petro, "...Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu" (Mateo 16:23).

Ruware apo Jesu akati aizovakira chechi yake rwaive ruware rwokutenda kana kududza kwakaitwa naPetro kwokuti Jesu aive Kristu, Mwanakomana waMwari. Naizvozvo , vose vanotendeuka pazvivi zvavo uye nokupupura Kristu saIshe noMuponesi vanove "semabwe mapenyu" mumba yomweya (1 Petro 2:5,6).

No comments: