Tuesday, May 26, 2015
SAKARAMENDE / CHIDYO
MATEO. 16:6-12 Jesu akati kwavari, tarirai muchenjere mbiriso yavaFaraise navaSadhuse. 7 Vakarangana pakati pavo vachiti unodaro nokuti hatina kutora chingwa. 8 Zvino Jesu achizviziva akati kwavari, imi vokutenda kuduku munorangana pakati penyu nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa? 9 Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani? 10 Kana zvingwa zvinomwe zvanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani? 11 Hamunzwisis neiko kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Faraise navaSadhuse. 12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFaraise navaSadhuse. (Mar. 8:27-30; Ruka. 9:18-21; Johani. 6:68-69)
MATEO. 26:26-29 Vakati vodya, Jesu akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura ndokupa vadzidzi vake achiti kwavari, Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu. 27 Akatora mukombe akavonga akavapa achiti inwai mose pauri. 28 Nokuti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi. 29 Asi ndinoti kwamuri handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi zvava zvitsva muvushe bwaBaba vangu.
MAKO. 8:15 Zvino akavaraira akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFaraise nembiriso yaHerodhe.
MAKO. 14:22-25 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa, achiti: Torai, ichi ndiwo muviri wangu. 23 Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri. 24 Akati kwavari: ichi iropa rangu nesungano itsva, rinodururirwa vazhinji. 25 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Handichazonwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muvushe bwaMwari.
RUKA. 7:34 Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achinwa, zvino moti tarirai munhu unokara, nomunwi neshamwari yavateresi navatadzi.
RUKA. 12:1 Zvino vanhu vanezvuru zvizhinji vakati vavunganira pamwe chete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti: Chenjerai mbiriso yavaFaraise, ndiko kunyengera.
RUKA. 22:1-13 Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera. 2 VaPista vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. 3 Zvino Satani wakapinda kuna Judhasi wainzi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri. 4 Akaenda akandorangana navaPirisita vakuru navakuru vetembere, kuti ungamuisa kwavari sei. 5 Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari. 6 Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasinavanhu vazhinji. 7 Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro. 8 Akatuma Petro naJohane, achiti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye. 9 Vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko? 10 Akati kwavari: Tarirai kana mapinda muguta, muchasongana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwanoenda; 11 muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu? 12 Uchakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo. 13 Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka.
RUKA. 22:14-20 Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navaapostora. 15 Akati kwavari: Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. 16 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyi, kusvikira yaitika muvushe hwaMwari. 17 Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu. 18 Nokuti ndinoti kwamuri; Kubva zvino handichatongomwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira vushe bwaMwari bwasvika. 19 Akatora chingwa akavonga, akamedura, akavapa, achiti; ichi muviri wangu, unopiwemi; itai izvi, mugondirangarira. 20 Nokudaro vo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinotevurirwemi.
JOHANI. 2:6-11 Zvino kwakanga kunamakate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu* 7 Jesu akati kwavari: Zadzai makate nemvura. Ivo vakazadza kusvikira pamiromo. 8 Akati kwavari: Cherai zvino muise kumukuru womutambo. Vakandoisa. 9 Zvino mukuru womutambo wakati aravira mvura yakashanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba, 10 akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe unositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino. 11 Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
1 VAKORINDE. 5:6-8 Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here? 7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu; 8 saka ngatite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.
1 VAKORINDE. 10:16-17 Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here? 17 Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
1 VAKORINDE. 11:23-34 Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupai vo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa; 24 akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye, Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira. 25 Saizvozvo vo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira. 26 Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya. 27 Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhisva yomuviri neropa raShe. 28 Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu. 29 Nokuti unodya nokunwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganatso nzwisisa muviri waShe. 30 Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete. 31 Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa. 32 Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika. 33 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai. 34 Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
VAEFESO. 5:18 Regai kubatwa newaini nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya.
1 TIMOTI. 5: 23 Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi umwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako novutera bwako bwuzhinji.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment