Tuesday, April 5, 2011

PETRO

Zita rake rokutanga: Simon Zvarinoreva: Dombo Basa raaiita: Mubati wehove Hama Baba vake vainzi Jona, mun'ina wake ainzi Andirea, uye akanga ari mudzidzi zvakare akaroora. NHOROONDO Aiva muGarirea achibva kuBhetisaidha, rinova nechokumusoro kweGungwa reGarirea. Pashure akazogara muKapenaume. Akanga ane imba yakakura,uye ipapo aingara nemhuri yake, munin'una wake Andirea uye naambuya vake(Mako 1:29;Mateo 8:14) Andirea ndiye akatanga kuona Ishe uye akazouyisa mukoma wake Simoni kuna Jesu (Johani 1:41)Akanga ari mutungamiri wavamwe vadzidzi. ZVINHU ZVINOKOSHA ZVAKAITIKA 1. Akanga ari mumwe wavadzidzi vatatu vaiva pedyo naJesu. Vamwe vacho vakanga vari Jakobho naJohani. Vadzidzi vatatu ava ndivo vakanga vana Jesu paGomo Rokushandurwa (Mateo 17:1-9) uye nemuBindu reGetsemane (Mateo 26:37) 2. Kufamba pamusoro pemvura (Mateo 14:29) 3. Nokuzarurwa kunobva kuna Mwari, akapindura zvakana mubvunzo waJesu waiti, "Ini ndini ani?" (Mateo 16:16;Mako 8:30;Ruka 9:20) 4. Akatsuura Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti akanga achizotambudzwa (Mateo 16:22,23) Akaramba Jesu katatu sezvakanga zvataurwa naJesu (Mateo 26:69-75) 5. Akatumwa naJesu (Johani 21:15-23) 6. Akaparidzira vanhu paZuva rePendekosti (Mabasa 2) 7. Akanyora mabhuku maviri eTestamende Itsva, 1 Petro na 2 Petro. MAGWARO ANOKOSHA PAMUSORO PAPETRO Kudanwa kwake; Mako 1:16-17 - Kupupura kwake:Mako 8:27-30 - Kuramba kwake kuti akanga ana Jesu: Mako 14:66-72 - Mharidzo yake paPendekosti: Mabasa 2:14-36 - Chiratidzo chake chejira guru rakanga rizere mhuka, rakabva kudenga: Mabasa 10:1-43

1 comment:

Covnitkepr1 said...

I write and maintain a spiritual blog which I have titled “AccordingtotheBook” and I’d like to invite you to follow it.