NHOROONDO:
Akaberekwa muTasasi, ari muRoma.
Dzinza rake: Aiva worudzi rwaBenjamini, chizvarwa chaSauro.
Kukura kwake: Akakurira muguta guru umo maiva navanhu vaibva kuzvimbo dzakasiyana-siyana dzepasi pose.Zvichida baba vake vanofanira kunge vari munhu airemekedzwa chaizvo, sezvo vakakwanisa kuita Pauro ave muRoma airemekedzwa. Panguva yake vakomana vechiJudha vaidzidziswa mabasa akuita. Pauro haana kusiyiwawo; akadzidziswa kugadzira matende. Akanga akadzidziswa zvakadzama pamusoro pechinamato pamazuva oudiki hwake, uye makore oujaya hwake akanga akabatwa zvakasimba nokutenda kwake muchitendero chechiJudha. Akava nhengo yeDare Guru achiri mudiki.
ANOTI NDIYE: MuHeberu wavaHeberu, muFarisi wavaFarisi.
ASATI ATENDEUKA
Pakutanga Pauro akanga asingadi vatendi vokutanga. Aifunga kuti vakanga vasisafungi zvakanaka, kuti vatende kuti murume wokuNazareta, akanga aroverwa pamuChinjikwa, akanga ari iye Mesiya akanga akamirirwa. Akatambudza vatendi zvikuru uye akanga aripo pakaurayiwa Sitefani. Naizvozvo, akabva kuJerusalema achienda kuDhamasiko kuti andosunga vateveri veNzira, sokuzivikanwa kwaiitwa vaKristu mazuva iwayo.
KUTENDEUKA KWAKE:
(Mabasa 9:3) Ari munzira kuenda kuDhamasiko, Pauro akasamgana naJesu Kristu nenzira inoshamisa, izvo zvakazoita kuti atendeuke.
MUSHURE MOKUTENDEUKA:
Pauro asati atendeuka, hakuna chakanga chaitwa kuti Vhangeri riparidzwe kuvanhu vasiri vaJudha. Pauro ndiye akazoshandiswa pakuparidzira Vhangeri raJesu Kristu kuna avo vakanga vasiri vaJudha paaifamba nenyika yose yeRoma panzendo dzake nhatu dzokuparidza vhangeri. Ndiye akanyorawo maBhuku mazhinji omuTestamende Itsva, ari matsamba aakanyorera Kereke.
No comments:
Post a Comment