Thursday, July 31, 2014
ZVINYORWA ZVETESTAMENTE ITSVA ZVITORWA KUBVA KUTESTAMENTE TSVARU
Mathew 1:23 (Isaya 7:14) “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, “Mwari anesu”
Mathew 3:3 (Isaya 40:3) Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake”
Mathew 12:21 (Isaya 42:4) “Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
Mathew 13:14-15 (Isaya 6:9-10) Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti : “Muchagoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchagoramba muchiona asi musingaonesesi. 15 Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsitsinya meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndigovaporesa.’
Mathew 15:8-9 (Isaya 29:13) “Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. 9 Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.”
Mathew 21:16 (Mapisarema 8:2) Vakamubvunza vakati, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?” Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti: “Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo?”
Mako 1: 3 (Isaya 40:3) “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.”
Mako 4:12 (Isaya 6:9-10) kuitira kuti, “zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye varegererwa!”
Mako 7:6-7 (Isaya 29:13) Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. 7 Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.”
Ruka 3:4-6 (Isaya 40:3-5) Sezvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai mugwagwa yake. 5 Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa. 6 Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.”
Ruka 4:18 (Isaya 61:1) “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa.”
Ruka 8:10 (Isaya 6:9) Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “kunyange vachitaura, varege kuona; kunyange vachinzwa varege kunzwisisa.”
Johani 1:23 (Isaya 40:3) Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanoddana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.”
Johani 12:38 (Isaya 53:1) Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?”
Johani 12:40 (Isaya 6:10) “Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.”
Mabasa 2:18-20 (Joel 2:30-31) Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita. 19 Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye mhute youtsi. 20 Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
Mabasa 2:25-28 (Mapisarema 16:8-11) Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi. 26 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro, 27 nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. 28 Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.”
Mabasa 3:22 (Dhuteronomi 18:15) Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai.”
Mabasa 7:42-43 (Amosi 5:25-27) Asi Mwari akafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “Makandivigira zvibayiro nezvvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri? 43 Makatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Rufani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa, mberi kweBhabhironi.”
Mabasa 8:33 (Isaya 53:8) Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamiswa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
Mabasa 13:34 (Isaya 55:3) Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.”
Mabasa 13:41 (Habhakuki 1:5) “Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.”
Mabasa 15:16-18 (Amosi 9:11-12) “Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhdhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve, 17 kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye navahedheni vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita avinhu izvi, 18 zvakangova zvazivikanwa kubva kare.”
Mabasa 28:26-27 (Isaya 6:9-10) “Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musinganzwisis; mucharamba muchiona asi musingaonesesi.” 27 Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mukukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanzwe nenzeve dzavo, vanzwisise nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.”
Varoma 2:24 (Isaya 52:5) Nokuti, sezvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati pavaHedheni nokuda kwenyu.”
Varoma 3:4 (Mapisarema 51:4) Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.”
Varoma 3:12 (Mapisarema 14:3; 53:3) Vose vakatsauka vose pamwe chete vakava vasina mature; hapana kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.”
Varoma 3:13 (Mapisarema 5:9) “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”
Varoma 3:14 ( Mapisarema 10:7) Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”
Varoma 9:17 (Ekisodho 9:16) Nokuti rungwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose”
Varoma 9:27-28 (Isaya 10:22-23) Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti. “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachavaponesa. 28 Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
Varoma 9:29 (Isaya 1:9) Zvakaita sezvakamborehwa naIsaya achiti, “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.”
Varoma 9:33 ( Isaya 28:16) Sezvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haanganyadziswi.”
Varoma 10:11 (Isaya 28:16) Sezvinorehwa noRungwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
Varoma 10:16 (Isaya 53:1) Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
Varoma 10:18 (Mapisarema 19:4) Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvw vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
Varoma 10:20 (Isaya 65:1) Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; Ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
Varoma 10:21 (Isaya 65:2) Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”
Varoma 11:9-10 (Mapisarema 69:22-23) Uye Dhavhidhi anoti: “Tafura yavo ngaive musungo neriva, nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari. 10 Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona; uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”
Varoma 11:26-27 (Isaya 59:20-21) Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya. 21 Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.
Varoma 11:34 (Isaya 45:23) “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akavamupi wake wamazano?”
Varoma 12:20 (Zvirevo 25:21-22) Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kana ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”
Varoma 14:11 (Isaya 45:23) “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ‘ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’”
Varoma 15:12 (Isaya 11:12) Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchatunga, iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose; vaHedheni vachava netariro maari.”
Varoma 15:21 (Isaya 52:15) Asi sezvakanyorwa zvichinzi: “Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”
1 Vakorinde 1:19 (Isaya 29:14) Nokuti zvakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
1 Vakorinde 2:16 (Isaya 40:13) “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.
1 Vakorinde 5:13 (Dhuteronomi17:7) Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.”
1 Vakorinde 10:20 (Dhuteronomi 32:17) Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.
1 Vakorinde 15:55 (Hosea 13:14) “Kuripo kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”
2 Vakorinde 4:13 (Mapisarema 116:10) Kwakanyorwa kuchinzi: “Ndakatenda; naizvozvo ndikataura.” Nomweya mumwe chete iwoyo wokutenda takatendawo uye naizvozvo tinotaura.
2 Vakorinde 8:21 (Zvirevo 3:4) Nokuti tirikuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu.
Vagaratia 3:10 (Dhuteronomi 27:26) Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakutita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.”
Vaefeso 4:26 (Mapisarema 4:4) “Mukutsamwa kwenyu musatadza” Musarega zuva richivira muchaka-ngotsamwa.”
Vafiripi 2:11 (Isaya45:23) uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye She, kuti Mwari Baba vakudzwe.
Vahebheru 1:6 (Dhuteronomi 32:43) Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
Vahebheru 1:7 (Mapisarema104:4) Achitaura pamusoro pavatumwa anoti: “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
Vahebheru 1:10-12 (Mapisarema 102:25-27) Anotizve: “Pakutanga, imi Ishe, mateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu. 11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo. 12 Muchazvipeta sejasi; snguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.”
Vahebheru 2:7 (Mapisarema 8:5) Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
Vahebheru 3:7-9 (Mapisarema 95:7-9) Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, 8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje, 9 mandakaedzwa namadzibaba enyu kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.
Vahebheru 3:15 (Mapisarema 95:7-8) Sezvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.”
Vahebheru 4:7 (Mapisarema 95:7-8) Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”
Vahebheru 8:9 (Jeremia 31:32) Hachazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipita, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe.
Vahebheru 10:5 (Mapisarema 40:6) Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira.
Vahebheru 10: 27 (Isaya 26:11) Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
Vahebheru 10:38b (Habhakuki 2:4a) Uye kana akadzokera shure, handichazofadzwi naye.
Vahebheru 11:5 (Genesisi 5:24) Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
Vahebheru 11:21 (Genesisi 47:31) Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake.
Vahebheru 12:5-6 (Zvirevo 3:11-12) Uye makanganwa shoko rokurumbidzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, usaora moyo kana uchirangwa naye, 6 nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”
Vahebheru 12:13 (Zvirevo 4:26) “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuremara, asi kuti aporeswe.
Vahebheru 12:15 (Dhuteronomi 29:18) Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari uye kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.
Vahebheru 12:26 (Hagai 2:6) Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.”
Vhebheru 13:6 (Mapisarema 118:6) Saka tinotsunga mwoyo, tichit, “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?”
Jakobho 1:10-11 (Isaya 40:6-7) Asi mufumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango. 11 Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo, inopisa rigoomesa uswa; ruva raro rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
Jakobho 4:6 (Zvirevo 3:34) Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
1 Petro 1:24 (Isaya 40:6-7) Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi sho rashe rinogara nokusingaperi.”
1 Petro 2:6 (Isaya 28:16) Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarira, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”
1 Petro 2:9 (Isaya 43:20) (Ekisodho 19:5-6) (Isaya 43:21) Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista wamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muiye muchiedza chake chinoshamisa.
1 Petro 3:10 (Mapisarema 34:12) Nokuti, “Uyo anoda upenyu nokuona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.
1 Petro 4:18 (Zvirevo 11:31) Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”
1 Petro 5:5 (Zvirevo 3:34) Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
Zvakazarurwa 2:7 (Ezekieri 28:13; 31:8,9) Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.
Zvakazarurwa 2:27 (Mapisarema 2:9) ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi; achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’ sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment