* Kuti Mwari mumwe chete muhutatu idzidziso yaBhaibheri iri maererano nevanhu vatatu avo Mwari anozviratidza nemavari. Ava vatatu vanoti : Baba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene. Vatatu ava vanotove munhu mumwe chete muzvizvarirwo, muvavariro nemune zvavanoda kuita. Ava vane ukama hwepedyo-pedyo zvokuti kana mumwe wavo akada, vose vanobva vadawo. Kana mumwe akafunga, vose vari vatatu vanofungawo. Kana mumwe chete aripo, vose vari vatatu varipo. Kana Baba vachishanda, Mwanakomana neMweya Mutsvene vanoshanda oamwechete naye. (verenga Mateo 12:31,32 ; Johane 3:16; 5:32,37)
* MuBhabheri tinodzidza kuti pana Mwari mumwe chete bedzi. "Chinzwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete" (Deuteronomio 6:4). Bhabheri rinoratidza zviri pachena Mwari mumwe chete wechokwadi saBaba, seMwanakomana neMweya Mutsvene. Ngationgororei mamwe Magwaro anodzidzisa izvi.
1. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu naBaba vamwe chete. Basa raJesu rakanga riri rokumirira Mwari uye nerokuita vavariro yake yokudzikinura vanhu vose. (verenga Johane 10:30 ; 14:9 ;
2 VaKorinte 5:19)
2. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu neMweya Mutsvene chinhu chimwe chete.
Jesu zvaaitaura nezvokuuya kweMunyaradzi, Mweya Mutsvene, akaita kuti kuvepo kweMweya Mutsvene kuenzane nokuvepo kwake. (verenga Johane 14:16-23)
3. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari neMweya Mutsvene vamwe chete.
Mweya Mutsvene wakauya kuzofambisa basa raBaba shure kwokunge Jesu apedza basa rake panyika. (verenga Mabasa 5:3,4 ; 1 VaKorinte 3:16)
Thursday, February 4, 2010
CHIMIRO CHAMWARI
* Mwari mutsvene. Mwari anovenga chivi uye akapadzana nezvose zvakaipa. (verenga Mapisarema 99:9 ; Isaya 6:3 ; Zvakazarurwa 15:4)
* Mwari akarurama. Mwari akarurama uye anoda kuti munhu ave noku rurama kumwe cheteko. Anovenga chivi asi anoda mutadzi. (verenga Mapisarema 145:17 ; Isaya 5:16 ; VaRoma 3:26).
* Mwari mutongi akarurama. Pazuva rokutonga raMwari, vanhu vose vachatongwa zvakarurama. Vanhu vazhinji vanotadza pano panyika uye vasingarangwe. Zvisinei, nguva ichasvika apo vanhu vose vachamira pamberi paMwari kuti vatongwe. (verenga Mapisarema 96:13 ; VaRoma 2:2 ; VaHeberu 9:27).
* Mwari ane tsitsi. Mwari haatitonge pamusoro pezvatakaita, asi netsitsi dzake anotitonga nokuda kwezvatakaitirwa naKristu pamuchinjikwa. Tinokodzera kufa, asi kunze kokudaro anotipa upenyu nomuna Jesu. Musungwa anokumbira kururamiswa nedare.
- Mutadzi anenge atendeuka anokumbira uye anogamuchira tsitsi dzaMwari. (verenga Deuteromio 4:31 ; 2 makoronike 30:9 ; Mapisarema 116:5)
* Mwari rudo. Mwari anoda vanhu vose. Asi rudo urwu harupofomadze Mwari kuti arege kuona magariro amunhu okutadza. Uyewo rudo rwaMwari harwumutadzise kutonga zvakarurama avo vanosarudza kufira muzvivi zvavo.
- Nokuda kwerudo rwaMwari rukuru akatuma Mwanakomana wake, Jesu Christu, kuzofira, nokurangirwa zvivi zvevanhu vose. Jesu akatora murango wezvivi zvedu zvaakafa pamuchinjikwa, achiita kuti zvikwanisike kuti tiregrerwe. Kana tikatendeuka mumwoyo uye nokusimba naKristu soMuponesi wedu, tinowana ruregerero urwu nokugamuchira upenu husingaperi. (verenga Jahane 3:16 ; naVaRoma 5:8)

KO IYE MWARI AKAITA SEI?
HUNHU HWAMWARI
- Mwari mweya. Mwari haawonekwi nemaziso edu. Haakwanisike kuwonekwa sevamwe vanhu. Izvi zvinoreva kuti haana muviri wenyama, mapfupa kana ropa seratinaro. ( verenga Jahane 4:24; 2 VaKorinte 3:17; VaKorose 1:15)
- Mwari ane masimba ose. Anokwanisa kuita zvinhu zvose. Simba rake harina magumo. Hapana chakaomera Mwari. (verenga Mateo 19:26; 28:18; Ruka 1:37; VaEfeso 3:20)
- Mwari anoziva zvose. Mwari anoziv zvinhu zvose. Anoziva zvakaitika nezvichaitika. Anoziva zvose zvatinoita uye nezvose zvatinofunga. (verenga Mabasa 1:24; VaHeberu 4:13; 1 Johane 3:20.
- Mwari ari pose pose. Hakuna nzvimbo ingaendwa nemunhu kuti atize kuvepo kwaMwari. Ari pano uye ari kwose kwose. (verenga Mapisarema 139:7,8; Zvirevo 15:3)
- Mwari haashanduki. Anogara akadaro nokusingaperi. Zvinhu nevanhu zvingashanduke asi Mwari haashanduke. (verenga Maraki 3:6; VaHeberu 13:8)
- Mwari aripo nekusingaperi Mwari haana mavambo nemagumo. Akagara aripo uye achagara aripo nguva dzose. (verenga Mapisarema 9:7; 90:2; Zvakazarurwa 1:8; 21:6 ; 22:26)

Wednesday, February 3, 2010
ZVATINOSANGANA NAZVO MUUPENYU ZVINOTIPA CHOKWADI CHAMWARI
Vazhinji vedu tine uchapupu hwezvakaitika naMwari muupenyu hwedu. Takadaidza kuna Mwari. Akadavira kudana kwedu. Tinotaura naye. Anonzwa zvikumbiro zvedu. Anoziva mwoyo yedu. Anotiriritira munezvatinoshaiwa.
Ruzivo rwakadai runotidzidzisa kuti kuna Mwari, mutsvene, ane simba, ane rudo, anove ndiye Baba vokuDenga veavo vakaponeswa.
Verenga Mapisarema 50:15; 91:15; VaRoma 8:16,17; 2 VaKorinte 5:17

Tuesday, January 19, 2010
Simba reBhaibheri chiratidzo chokuvepo kwaMwari.

Bhaibheri rakanyorwa naMwari. Ichi chinyorwa chokuzviratidza kwaMwari pachake kumunhu. Pakuongorora chinyorwa ichi, tinoona kuti uchapupu hwacho ndewechokwadi. Kuedza kwose kwakaitwa nevarume vakaipa kwokuda kuparadza chokwadi ichi kwemakore mazhinji akapfuura kwakakundikana. Richaramba riripo kana ranyorwa mumwoyo yevanhu.
Munhu akawana zvizhinji maererano naMwari muzvinhu zvaanoona, mukufunga zvakadzama, uye nomune dzimwe nzira zhinji. Zvisinei, Bhaibheri ritora zviratidzo izvi uye nokutipa mufananidzo uzere uye nokutiratidza Mwari sezvaari.
(Verenga Deuteronomio 4:1,2; 17:19; Mapisarema 119:89; Isaya 40:8; Johane 5:39; VaRoma 16:25,26 ; 2 Timotio 3:16,17; VaHeberu 4:12; 2 Petro 1:19-21.)

Nzara yomunhu yokuda kuziva Mwari inotiratidza kuti kuna Mwari.
Nzara yeMunhu yokuda kuziva Mwari inotiratidza kuti kuna Mwari.
Mwari akaita nyika. Mukati mayo akaisa zvaizogutsa nzarayomunhu munyama. Munhu anonzwa nzara. Zvokudya zvinopiwa kuitira dumbu rake. Anonzwa nyota. Mvura inopiwa kuti ipedze nyota yake. Mapapu edu anoda mweya uye uyu unopiwa.
Mweya wemunhu unonzwa nzara yaMwari. Izvi zvinoratidzwa nokutsvaka kwake kusingaperi kwechimwe chinhu chikuru kwaari. Mwari akaita munhu aine nzara iyi kuitira kuti munhu agomutsvaka. Kusvikira munhu aziva Mwari mumwoyo make, nzara iyi haingagutswe.
Mwari akapa kune zvinoshaikwa nemunhu zvenyama. Nenzira imwe cheteyo, akazviita kuti avepo kuti atarisane nenzara yemunhu yemweya.
Verenga Mapisarema 42:1 naMateo 5:6

Kuziva Chivi Kwemunhu Kunoratidza kuti Kuna Mwari
Kuziva chivi kwemunhu kunoratidza kuti kuna Mwari.
Kana munhu akatarisa mukatikati memoyo wake, anoziva kuti akatadza. Anoziva kuti akaita zvinhu zvakaipa. Anoziva kuti akakundikana kuita zvimwe zvinhu zvaifanira kunge akaita. Bhabheri rinodaidza izvi kuti chivi. Saka kana munhu akatadza, panotofanira kuve naMwari waanotadzira.
Mwari akapa mimwe mirairo. Mwari anoisa mirairo iyi mumwoyo womunhu. Kutyora mirairo iyi chivi, chinotadzirwa Mwari. Izvi zvinodzidzisawo munhu maererano nokuvepo kwaMwari uyo angatadzirwe.
Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasika munhu mumufananidzo wake. Naizvozvo, zviri mumunhu kuti atsvake Mwari. Anoshuva kuva nokuwadzana naMwari, Musiki wake.
Verenga Genesis 1:26; Mapisarema 42:1; Mateo 7:7,8; VaRoma 2:15; Jakobo 4:17

Subscribe to:
Posts (Atom)