Sunday, February 21, 2010

RUPONESO

Munhu Anoshaiwa Ruponeso

- Chivi chinotsaukanisa vanhu vaMwari nokuti mutsvene uye akarurama. Naizvzvo, Mwari haangave nokuwadzana nevanhu kusvikira vaponeswa kana vanatswa kubva pachivi. Vanhu vose vakasvikira vaponeswa kana vanatswa kubva pachivi. Vanhu vose vakatadza. Mubairo wechivi rufu, saka vanhu vose vanofanira kuponeswa kubva pachivi chinokonzera kufa kusingaperi.

- Vanofanirawo kuponeswa kuitira kuti kuwadzana kwavo naMwari kuvandudzwe. Mwari akaita munhu wose uye anoda kupa munhu wose upenyu husingaperi. Mwari haangape upenyu husingaperi kana ani nani chairamba akarasika uye achingitadza. Kana munhu achida upenyu husingaperi nekufadza, akafanira kuponeswa.

Verenga Ezekieri 18:20; VaRoma 3:10,23; VaRoma 6:23; Mateo 16:26 na 1 VaKorinte 15:19

Hapana Munhu angazviponesa

- Munhu haangasimudze tsoka dzake nemaoko uye nokuzvisimudza kubva pasi. Nenzira imwe cheteyo, hapana munhu angazviponesa kubva pachivi uye nokuzviisa mukuwadzana naMwari. Munhu angaedze kuita zvinhu zvakanaka muupenyu hwake hwose. Izvi hazvingagutse Mwari. Bhabheri rinotiudza kuti hapana munhu angazviponesa nokuita mabasa api neapi akanaka.

Verenga VaRoma 3:20 na VaGaratia 3:11

Thursday, February 18, 2010

CONFESSION: A SURE WIN

Have you ever wondered..

- If God could ever forgive your sin?

- Why you should confess?

Read: Psalm 32:5; James 5:16

Thirty thousand runners. Twenty-six miles. Thirteen water stations. Two onlympic marathon - a colossal challenge that dares runners to attempt its course. The Christian life is like a marathon. It is a lifelong, often grueling race for which we train, sweat, and persevere. We condition ourselves to prepare for the race. We find ourselves running among countless other runners with the same goal in mind: complete the race.

But not everyone makes it to the finish line. Some runners allow sin to bigin piling up on their backs, slowing their strides until they eventually collapse on the curb. The course is difficult enough without having to carry around the heavy burden of unconfessed sin.

Confession is the only way to unload it from your back. God is watching and waiting for you at the finish line. He wants to see you run across it free of injury. There is no sin that won't forgive. Can you hear Him calling your name>

If we say that we have no sin, we deceive ourselves, and the truth is not in us. If we confess our sins, He is faithful and just to forgive us our sins and to cleanse us from all unrighteousness (1 John 1:8-9)

Friday, February 12, 2010

VAMWE VANHU VANOVE VANA VAMWARI

Zano raMwari kuvanhu vose nderokuvaponesa uye nokuvaita vana vake. Mwari anokwezva vanhu nerudo rwake kuitira kuti vazhinji vasarudze kuve vana vake vechokwadi. Vana ava vaMwari vachaenda kunogara naye nokusingaperi rimwe zuva.

Kana tikaongorora mbeu dzemumwe muti, tinoona kuti Mwari anosika mbeu zhinji dzakadai. Asi shoma dzembeu idzi ndidzo dzichamera, dzichakura uye nokubereka muchero. Saizvozvo Mwari akaita vanhu vazhinji. Asi vanhu vose havazove vana vaMwari. Avo chete vanosarudza mumwoyo yavo uyenevanouya kuna Mwari nenzira yaakagadzirira ndivo vanove vana vake vechokwadi mumweya.

Verenga Johane 17:1-3,9,15; VaRoma 8:29,30; 2 Timotio 1:9; neVaHeberu 2:10

KUSIKWA NOKUDIKUKUNDIKANA KWOMUNHU

Munhu akasikwa naMwari

- Vanhu vakasikwa naMwari. Vanhu vokutanga vakaitwa naye. Nguva imwe neimwe panozvarwa mwana mutsva tinoshamiswa nechisikwa chaMwari chitsva.

- Vanhu vakasikwa mumufananidzo waMwari. Havangove neMweya usingaparadzike sewaMwari, asi vane simba rokusarudzawo. Vanhu vakasikwa kuti vave nokuwadzana naMwari. Vakasikirwa kuti vaunze kubwinya kuna Mwari. Asi Mwari haamanikidze vanhu kuti vamushandire. Mwari anoda avo vanosarudza mumwoyo yavo kumuda nokumushandira.

Verenga Genesis 1:26-30; Gensis2;7; Genesis 2:18-22; Genesis 3:1-24; naGenesis 9:6

Monday, February 8, 2010

No More Than We Can Bear

Have you ever wondered....

. How to respond when you are tempted?

. What God expects of you?

Read: 1 Corinthians 10:13; Mathew 4:1-11

- The question isn't if you'll be tempted to sin. It's just a matter of when, what, and how creative Satan will be. First Corinthians describes temptation as something everybody faces. We're vulnerable, and Satan knows it.

- Jesus is our lifeline out of temptation. He sees the storm coming. He watches us struggling to stay afloat as wave after wave crashes over us. Just when we are about to drown, Jesus reaches in and offers his hand to pull us to safety. It is our choice to either take his strong hand or to sink.

- God's word is our harbor from the storm. When we recognize temptation approaching, then we can gear up for it by asking for God's help. He knows our weaknesses. He understands our pressures and temptations. Jesus himself was tempted, and he is strong enough to overcome it all.

* For in that He Himself has suffered, being tempted, He is able to aid those who are tempted... Let us therefore come boldly to the throne of grace, that we may obtain mercy and find grace to help in time of need (Hebrews 2:18; 4:16)

Friday, February 5, 2010

KO DHIABHOROSI ANORWISA SEI?

- Dhiabhorosi mweya. Hatikwanise kumuona nemaziso edu. Anouya kupfungwa dzedu. Zvirevo 4:23 inoti, "Chengeta mwoyo wako (pfungwa dzako) kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitibu zvoupenyu." Satani anoisa pfungwa dzakaipa mukati medu nenzira yakachenjera zvokuti tinofunga kuti mifungo yedu chaiyo. Tingaone kuti Satani anoitirwisa sei nokuverenga nezvokuedzwa kwaJesu muna Meo 4:1-11:

1. Anouya paunenge usingambotarisira. Zvakaitika apo Dhiabhorosi akauya shure kwenguva yaJesu inofadza naMwari mumvura yoruombeko. (Mateo 4:1)

2. Anokanda zano rake rokuti titadze mupfungwa dzedu patinenge takanyanyorukutika. Jesu akanga oziya nenzara zvikuru shure kwenguva ndefu yokuzvinyima zvokudya (Mateo 4:2). Naizvozvo, Satani akamuedza kuti apindure matombo kuti ave chingwa (Mateo 4:3).

3. Chinhu chakanaka kuyeuka ndechokuti dhiabhorosi anokwanisa kupa ndima dzemagwaro, asi anoedza kudziita kuti dzireve zvaanoda kurava (Mateo 4:6). Nnguva dzose tinofanira kuverenga ndima dziri mberi nedziri shure kwendima yose yose yatinenge tapiwa kuitira kuti tiwane zvinoreva Mwari.

4. Dhiabhorosi Anoshingirira. Kunyange zvazvo Jesu akakunda dhiabhorosi kwokutanga, kwechipiri, dhiabhorosi akaramba achiuya nemiedzo yake kusvikira Jesu amukunda zvachose (Mateo4:11)

MUVENGI WEDU SATANI

Ko wanga uchizviziva here kuti tiri pahondo? Izvi ndizvo zvatinoudzwa neBhaibheri muna VaEfeso 6:12. Ko muvengi wedu ndiani? Zita rake ndiSatani, kana kuti dhiabhorosi. Ko Dhiabhorosi ndiani? Ko akabva kupi? Ko ari kupi ikozvino? Ko ari kuitei ikozvino? Ko ari kuenda kupi? Hatingatarisire kukunda muvengi wedu kunze kwokunge tichiziva chimwe chinhu maererano nezvaari. Ikozvino tichadzidza pamusoro padhiabhorosi, muvengi wedu.

1. Ko Dhiabhorosi Ndiani? Dhiabhorosi munhu ane simba guru nerakaipisisa chaizvo. Ane mazita mazhinji: Satani, Rusifa, mwari wenyika ino, nyoka, muedzi. Vavariro yake ndeyokuita kuti vanhu vamukire Mwari, uye nokuita kuti Mwari amukire vanhu. ( Jobo 1:9-11; 2:9). Ari kutsvaka kukonzera kuti atadze munhu.

2. Ko Dhiabhorosi akabva kupi? Bhaibheri haritaure zviri pachena maererano nezvizvi. Isaya 14:12-15 inopa pfungwa yokuti pane imwe nguva Dhiabhorosi akanga ari mutumwa anoyevedza ane masimba makuru akasikwa naMwari mukutsveneseka. Asi mutumwa anoyevedza uyu haana kuchengeta "ukuru hwakw" (Judas 6), asi akawira muchivi chokuzvikudza. Aida kuve mukuru kupfuura Mwari. Naizvozvo akadzingwa kubva kudenga (Ruka 10:18), pamwe chete nevamwe vatumwa vakanga vamutevera mukupanduka kwake Mwari (2 Petro 2:4)

3. Ko Dhiabhorosi ari kupi ikozvino? 1 Petro 5:8 inoti, "... muvengi wenyu Dhiabhorosi, anofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza." Haasi mugehena, asi ari pano panyika. Dhiabhorosi achaenda kugehena pakuguma kwenyika (Zvakazarurwa 20:10). Meo 25:41 inotidzidzisa kuti gehena raksikwa naMwari kuti arange Dhiabhorosi nevatumwa vake. Haazove mambo wegehena, achiudza munhu wose zvokuita. Ndiye achatongwa kupfuura vamwe vose. Asi zvino dhiabhorosi ari pano panyika. Ndiye anoti, "Hazvityise kunyengedza muchikoro kana kunwa doro. Munhu wose ari kuzviita." Akachenjera zvikuru. Anoziva kuti kana akaiita kuti titadze zvishoma, achatiita kuti titadze zvikuru.